Job 41

1“Ungagona kukweva ngwena nechiredzo,
kana kusunga rurimi rwayo netambo here?
2Ungagona kupinza mukaro mumhino dzayo,
kana kuboora rushaya rwayo nechiredzo here?
3Ko, ingaramba ichikumbira kunzwirwa ngoni newe here?
Ko, ingataura kwauri mashoko manyoro here?
4Ko, ingaita chitenderano newe here
kuti iwe uitore senhapwa kwoupenyu hwayo hwose?
5Ungagona kuipfuwa seshiri here
kana kuisunga kuti vanasikana vako vatambe nayo?
6Ko, vatengesi vangaitsinhanisa here?
Ko, vangaigoverana pakati pavashambadziri here?
7Ungagona kuzadza dehwe rayo nemiseve ine nzeve here,
kana kuzadza musoro wayo namapfumo okuredzesa hove?
8Kana ukaisa ruoko rwako pairi
uchazorangarira kurwisana kwako nayo
uye haungazozvipamhizve!
9Tariro ipi zvayo yokuitonga ndeyenhema;
kungoiona bedzi kunopedza simba.
10Hakuna munhu anotyisa zvokuti angaidenha.
Ndianiko zvino anogona kumisidzana neni?
11Ndianiko wandakatorera chinhu wandinofanira kuripira?
Zvinhu zvose zviri pasi pedenga ndezvangu.

12“Handingakonewi kutaura zvemitezo yayo,
simba rayo uye chimiro chayo chakanaka.
13Ndianiko angabvisa dehwe rayo?
Ndianiko angasvika kwairi namatomu?
14Ndianiko anotsunga kuzarura mikova yomuromo wayo,
iwo wakakomberedzwa nameno ayo anotyisa?
15Musana wayo une mitsara yamakwande
yakanyatsonamirwa pamwe chete;
16rimwe nerimwe riri pedyo pedyo nerimwe,
zvokuti hakuna mhepo inopinda napakati.
17Akanyatsobatanidzwa pane rimwe nerimwe;
akanamatirana pamwe chete uye haagoni kuparadzaniswa.
18Kuhotsira kwayo kunoita mamvari omoto;
meso ayo akaita sehwerazuva hwamambakwedza.
19Mazhenje omoto anoyerera achibva mumuromo mayo;
zvimvari zvomoto zvinobarikira kunze.
20Utsi hunobuda mumhino dzayo
sepahari inovira pamusoro pomoto wetsanga.
21Kufema kwayo kunopfutidza mazimbe omoto,
uye murazvo unobuda mumuromo mayo.
22Simba rinogara pamutsipa wayo;
kuvhundutsa kuri pamberi payo.
23Nhindi dzenyama yayo dzakabatanidzwa zvakasimba;
dzakasimba uye hadzizungunuswi.
24Chipfuva chayo chakaoma sebwe,
chakaoma sapasi peguyo.
25Painosimuka, vane simba vanovhundutswa,
vanodududzira shure isati yarova mvura.
26Munondo unosvika kwairi hauna simba,
uye pfumo kana museve kana pfumo guru hazvina simba.
27Simbi inoita seshanga kwairi,
uye ndarira sedanda rakaora.
28Miseve haingaiti kuti itize;
zvimviriri zvakaita sehundi kwairi.
29Tsvimbo inoita kunge chidimbu cheshanga kwairi;
inoseka panorira bakatwa.
30Pasi payo pakaita sezvaenga zvehari,
inosiya muhwezva mumatope sechirei chinokwevewa.
31Inoita kuti mvura yakadzika ivire segate rinovhaira,
uye inokurunga gungwa sehari yamafuta.
32Shure kwayo inosiya muhwezva unopenya;
mumwe munhu angafunga kuti mvura yakadzika yava nevhudzijena.
33Hapana chakaenzana nayo munyika,
chisikwa chisingatyi.
34Inotarisira pasi zvose zvinozvikudza;
ndiyo mambo pamusoro pezvose zvinozvikudza.”
Copyright information for SnaBDSC